Tuesday, 4 March 2014

Bhuku ravaFiripi

Pauro , Silas , Timotio pamwe naRuka vakashanyira Firipi pamwe nekutanga kereke yekutanga muEuropi mukushanya kwaPauro kwepiri munguva ya 50 AD ( Mabasa 16 : 11 – 40 )

Tsamba ino yakanyorwa mugore ra61 AD kubva kuRome apo Pauro ayive pahusungwa hwemumba

Anonyora kubva panzvimbo yesimba pamwe chete nemufaro kuti akurudzire shamwari dzake kuFiripi , avo vaisangana nekupikiswa kwakawanda .

Vafiripi 1 :20 Zvandiri kusangana nazvo hazvikanganise shoko rangu ! Ndinogutsikana kuti hurukuro yedu zvino nenguva dzose ichange ichipa chaizvo kukosha kwaKristu shoko iri munyama mandiri ; kunyangwe ndikararama kana kuti ndikafa , hapana mutsauko .

Vafiripi 1:21 Kristu ndivo vanotsanangudza hupenyu hwangu ; rufu harukwanise kukanganisa kana kuzvideredza

Vafiripi 2:12 “ Kwete mukusavapo kwangu chete ...” Pauro anozivisa kuti anozova mushoko rake kudarika kunge aripo panyama ! Kubudirira kwehushumiri hakupimwe nevanhu vaunogona kubatana navo , asi kuzvishumira paunenge usipo !

Vafiripi 3:1 Mhedzisiro yekutenda kwako mufaro wako wakanyanya munashe . Ndiye kunobva mufaro wako ! Handisi kungotaura izvi chete ; mufaro wako inheyo yako ! Hakuna nzvimbo yakachengetedzeka yawungava , asi kungogara wakafara !

Pauro anovakurudzira kuti vasatendera chitendero chisavadzivisa kubva pamufaro wekumburuzwa .

Vafiripi 3:7 Kubatanidzwa kwechitendero chekwandiri kubva pamwe nekuzvipira kwekurevesa kwangu kunova pasina ! Zvatakapihwa sechipo muna Kristu zvakaderedza zvaiva sezvine hukoshi , kuva zivo isina chirevo . Kukudza murawo kunova kushomeka kwako ! Kutenda kunova kuwedzerwa kwako .

Vafiripi 3:8 Muchokwadi , ndakava nemhedzisiro yekuti kuva pamwe nezvaitsanangudza ini semuJudha akazvipira , zvinodarikwa nezvandawana mukuziva Mesiya Jesu Kristu pamwe nedzikinuro yavo yehumambo ndizvo zvinonditsanangudza zvino . Chitendero chinova setsvina yembwa ; chinonhuwa , dzivirira kutsika imomo !

Vafiripi 4:4 Mufaro hakusi kuita kwekuda kwako ; mufaro unogara uripo ! Kuva kwako naIshe ndicho chitubu chako chemufaro ; saka ndinozvitaura zvakare , fara munashe zvakadaro !

Vafiripi 4:6 Rega kunetsekana kuti 1 kukukanganise !

Vafiripi 4:11 Ndakawana kuva “ zvandiri ” pamwe nekuwana kuti 1 ndakakwana zvisineyi mamiriro ezvinhu . ( kukwanirwa 1 autarkes , kukwanirwa , zvaunonzwa panguva yekugutsikana nezvauri . )

Vafiripi 4:13 Pane mamiriro ese ndakasimba mune uyo anondisimbisa kubva mukati kuti ndive zvandiri ! ( Pauro akararama hupenyu hwake pamwe chete nezvaari mukati make . Akawana kuti zvaari mukati make ndizvo Jesu vaifamba mazviri , zvaiwoneka maari ! Ndiri zvandiri nokuda kwenyasha dzaMwari ! 1 Vakorinde 15:10 ) .


1:1 Pauro pamwe naTimotio vanotaura nevatsvene muna Kristu Jesu muFiripi , pamwe neboka revatungamiri venyu 1 vatungamiri pamwe chete nemadhikoni . ( Mutungamiri , 1 episkopos , kubva pana epi , kuratidza kunodarika nekukonzera pamwe na skopos , “ kuwona ” kutarira mufananidzo wese , 2 diakonos , kubva pana diako , kuita mabasa , kutereedza ; tarisa Vafiripi 3:14 )

1:2 Tsvete yaBaba inotibatanidza hupenyu hwedu muhushe hwaJesu Kristu .

1:3 Mufungo pamusoro penyu unondikurudzira nguva dzese nemufaro pamwe nekutenda kuna Mwari .

1:4 Kukunyengeterai harisi basa nekuti kunova nhetembo ; ndinotarisira nemufaro zvinobuda mumunamato wangu kwamuri !

1:5 Kuva pamwe kwemufaro muzvese zvinotaurwa nevhangeri hakuna nguva . Kuvandudzwa kunodarikira kusvikira pari nhasi .

1:6 Ndine chokwadi mandiri pamusoro penyu , ndichigutsikana kuti iye 1 muvambi webasa rakanaka mauri ndiye mumwe chete anoita mhedzisiro yacho sekuwonekwa muna Jesu Kristu anova chiyedza chezuva . Ndiye kuzara kwenguva . ( Muvambi 1 enarche , kudzidzira kubva pakutanga , tarisa Muparidzi 3:15 “ Izvi zvinova pari zvino ; zvakare zvichazova zvakagara zvakadaro ! ” )

1:7 Handisi kungova nefungidziro yekurudziro pamusoro penyu , mukudzikinurwa kwedu kwerusununguko handigone kufunga zvakasiyana , Ndinemi mumoyo mangu ! Hushamwari hwedu hune kuzvipira muhusungwa hwangu hwakakura kwandiri mukubatana kwedu mukudzivirira pamwe nekuzivisa vhangeri tiri mazviri pamwe chete ! Takabatana munyasha dzimwe chete . Nyasha dzangu ndedzenyuwo .

1:8 Mwari vanoziva hudzamu hwechishuwo changu kwamuri zvinova nehunyoro hwechishuwo chaJesu Kristu .

1:9 Chishuwo changu kune mumwe nemumwe wenyu mese , kuti kuziva 2 rudo nekuzara kwarwo mamuri kunodarikira nekupfachukira kudarika miganhu yese , zvakare kuti hukama hwako hwese nevamwe huchabatwa nekuva hune rudo ( shoko rinoti 1 agape , ishoko rine mashoko maviri , ago kureva kuti kutungamira semufudzi anotungamira makwayi zvakare na pao , kureva zororo ! Rudo rwake rwunonditungamira muzororo rake ; mukuziva kuzara kwebasa rake rakapera Agape ndiyo Mapisarema 23 mushoko rimwe chete . “ Pamvura inoratidza moyo wangu unorangarira kuti ndini ani . ” )

1:10 Ndinokukurudzirai kuti munzvere rudo urwu rwunonzi agape zvikuru , sekunge apo ngoda inowonekwa pachiyedza kuti kukwana kwaro kuve pachena . Ndinoti torayi rudo pakuguma kwarwo ! Hamuna kuzvidza murudo sekuwonekwa muna Kristu anova chiyedza chezuva . ( kana ngoda risina chipomerwa , kuyedzwa kwese kunoratidza kukwana kwaro ; kune mumwe munhu angadaira kuti rudo haisi mhondi , kuyedzwa kwerudo kwakapera pamuchinjikwa chokwadi hachive chokwadi nekuvhoterwa ; kusaziva kwemumwe munhu kana kuramba hakushandure chokwadi . )

1:11 Makapihwa zvizere goho rerusununguko rwedzikinuro yenyu pamwe nekururama nokuda kwaKristu ! Ndizvo zvinova kuita kwaMwari ! Kufara kwavo kunotsinhira kukunda kwemuchinjikwa !

1:12 Ndinoshuvira kukurudzira shamwari kuti kupikiswa kwandinosangana nako , kwanga kwakananga kukunda vhangeri kwaita kuti rifambire mberi !

1:13 Mutorongo mava mandinoshumira ! Masoja ese agavhunha pamwe nevese vari mumba mehumambo vadzidza nezveshoko rangu . Vanoziva kuti handisi musungwa wavo asi kuti ndiri mukati maKristu .

1:14 Kuva muhusungwa kwangu kwakurudzira vatendi vazhinji munashe kutaura shoko vasingatye

1:15 Vamwe vanozvidza shoko vamwe vanotaura nechishuwo zvakare nemufaro

1:16 Pane vamwe vanoshuvira kuwana mukana nekuda kwezvandiri kusangana nazvo nekuda kwechinangwa chavo .

1:17 Vamwe zvekare vanokurudzirwa nerudo zvakare vanonditsigira zvizere mukudzivirira vhangeri !

1:18 Ndinofadzwa ! Kristu ndiye musoro wenyaya pahurukuro dzese ! Kunyangwe vanotaura zvakaipa vanomushambadza !

1:19 Ndinowona kuti mweya waJesu Kristu , 1 semutungamiri wemumhanzi anotora zvese izvi pamwe chete zvakare neminamato yenyu wozviita gungano rinopembedza ruponeso ( shoko rinoti 1 epichoregeo , rinobva pana epi , kuratidza nzvimbo yepamusoro , uve unotonga , + chorus , vaimbi , vanoimba , kana mutambo + ago , kureva kutungamira semufudzi anotungamira makwayi ake ; zvoreva kuti , mutungamiri wemutambo kana kuti mutungamiri wemumhanzi .)

1:20 1 Pfungwa dzangu hadzina kubatwa nemusoro wangu ! Dzakasununguka nekutarisira kuti handinyare nekuda kwekupikiswa ! 2 zvandinosangana nazvo hazvidzivise shoko rangu ! Ndinogutsikana kuti 2 hurukuro dzedu zvino pamwe nenguva dzose dzinodarika nekupa hukoshi hwaKristu . Shoko iri inyama mandiri ; kunyangwe ndikararama kana kufa , hapana mutsauko . )( shoko rinoti , 1 apokarodokia , rine mapato matatu , apo kubva pane , kara musoro pamwe na dokeo , pfungwa . Shoko 2 parrhesia , kubva pana para , kuratidza kuva pedyo chinhu chinobva panzvimbo yekukonza , nepfungwa yekubatana panzvimbo yekugara , kubva pamuvambi pamwe nemupi , kuvamba , kuratidza nzvimbo inotangira chiitiko , kubatana kwepedyo ; pamwe na rhesia , hurukuro .

1:21 Kristu anotsanangudza hupenyu hwangu , rufu harwugone kutyisa kana kundideredza .

1:22 Kuve mupenyu zvino kuva pamabiko egoho rekutenda kwako ! Handikwanise kutaura pandichakwanisa kusimudza mutsigiri wenyama zvakare ndoyenda ! Hazvina chirevo kwandiri . ( shoko rinoti , 1 aihreomai , kubva pana airo , kusimudza mutsigiri woyenda . )

1:23 Ndinogara ndakabatikana nepfungwa mbiri . Ndinonzwa zvine simba kuti ndibude kubva mukubatwa kwemuviri uno kuyenda mukumbundirwa naKristu ! Funga kufadza kwazvo !

1:24 Asi zvino vhangeri rino rakabata 1 ruwoko rwangu rwakasungirwa kumashure kwangu ; zvakadaro ndinonzwa kuti ndirambe ndiri munyama ino nekuda kwenyu . ( shoko rinoti 1 anagke , rinotaura kuti ruwoko rwakasungirwa kumashure kwemumwe . Tarisa 1 Vakorinde 9:16 )

1:25 Tine chivimbo chekuti nguva yangu nemi inokukurudzirayi mukudarika kwemufaro pakutenda kwenyu !

1:26 Mufaro wenyu muna Kristu hauzivi magumo ! Tine chikonzero chekuti tipembere ! Ndinofunga kutubuka kwemufaro ndikakwanisa kuva pamwe nemi !

1:27 Chinhu 1 chimwe chakashota chingabate chiwono chenyu kuva kwenyu vagari vepanyika ichokwadi chekuti kuita kwenyu kwezuva kunotaura hukoshi 2 humwe zvakare kunopa chirevo kuvhangeri raKristu ! Saka zvino ndiripo nemi kuva chapupu chekutsungurira kwenyu nameso angu , kana ndisipo , kuva 3 pamwe kwedu pamweya nepfungwa kunozova chapupu . ( Shoko rinoti 1 monon , rinonongedza kune chinhu chine hukoshi ; shoko rinoti 2 axios , rinoreva kuva nehuremu hunenge chimwe chinhu chine hukoshi humwe chete , chinokosha zvimwe chete . Psyche , Giriki , pshuche , zvinoreva ndangariro , pfungwa dzako , kungwarira . Pauro anoshuvira kuratidza kuve pamwe kusina kupatsanurwa ; 3 sunatheo , kukwikwidzana kwevamhanyi . Mujawo wemichovha unoshandisa shoko rinonzi peleton ; apa vanotasva vane simba uye vanomhanya pavanotasva inonzi “ peleton ” inova nzvimbo ine vatasvi vazhinji . Vachitanga vari vazhinji , vakwikwidzani vakawanda vanoguma vave pane peloton panguva yemujawo . Ishoko rechifrench , kureva kuti kuputirwa sekunge mubhora . )

1:28 Kusatya kwenyu kune hungwaru pamunotarisana nezvimhingaidzo chiratidzo chechokwadi kune vanopikisa kuti zvavanoita hazvina chiyamuro kwamuri . Kuita kwenyu kwekutenda kunoita kuti runopeso rwuve pachena . ( Hapana hutsotsi ; Mwari havana makwikwi ! Hurongwa hwechitendero hwekuzoponesa haumutyise ! )

1:29 Nekuda kwenyasha dzamakapihwa muna Kristu , zvingakutambudzayi nekuda kwake hazvigone kukudzivisayi kubva pane zvinozivikanwa nekutenda kuti ichokwadi pamusoro penyu !

1:30 Kutenda kwedu kuri kuratidzwa 1 panhandare ; hatisi vakuzi pakumira kwevamwe , asi tiri vamwe pahuchapupu zvakadaro . Tinoratidza kukunda kwemumwe . ( Shoko rinoti 1 agon , rinoratidza nzvimbo yemakwikwi , nhandare . )

2:1 Muna Kristu 1 kubatana kwedu ndekwe pedyo ; 2 tinoratidza nyaya yake yerudo ; takabatana mumweya pamwe nekunzwirana . ( shoko rinoti 1 parakaleo , kubva pana para , kuratidza kuva pedyo , chinhu chinobva panzvimbo yekukonza , netarisiro yekuva panzvimbo yekugara , kutubuka kubva pane muvambi pamwe nemupi , kuvamba uchibva pane imwe nzvimbo , kuratidza nzvimbo inotangira chiitiko , kuva pedyo , pamwe na kaleo kuziva nezita , kupa zita repiri . Shoko rinoti 2 paramuthion , rinobva pana para + muthos , kuraira nyaya , inotaurwa nemutauro wemumweya . )

2:2 Kuva nepfungwa dzaKristu kunondifadza ! Munowungira rudo rwumwe chete ; tiri vamwe pamweya tichinzwisisana mukufunga .

2:3 Hapana pfungwa yakavanzika paine kuda kusanganisa mbiriso kana zivo isina chirevo ingayenzane nepfungwa yechokwadi inokoshesa vamwe kuzvidarika .

2:4 Kuwana kukwana kwako muna Kristu kunokusunungura kuti ubve pakuzvitarisa wotarisa vamwe !

2:5 Nzira iyo Jesu vakazviwona nayo ndiyo chete nzira yakashota yekuzviwona .

2:6 Kuva kwake wakayenzana naIshe nekuva pamwe nemufananidzo wake kwaive nembvumo ; kuve mwanakomana kwake hakuna kuita kuti akudzwe kudarika Baba ! Kana kuti kuva munhu kwake kudzivise kubva pakuva Humwari !

2:7 Chinangwa chake zvakadaro , kwaisava kuratidza huMwari hwake asi kumbundira vanhu . Wakazviisa pakuva munhu ; wakazvarwa sesu wakazvizivisa semuranda wavanhu . Rudo rwake rwakamuita kuti ave nhapwa kwatiri !

2:8 Zvino tine chimiro chemuchinjikwa : murume uyu Jesu Kristu anova Mwari azere , anova munhu azere kusvikira pakuda kufa rufu rwavanhu pamawoko ezvisikwa zvake . Wakambundira chituko pamwe nezvinyadzi zvepasi mukufa rufu rwembavha .

2:9 Kubva panzvimbo iyi yekuzvidzwa , Mwari vakamusimudza kuva pamusoro pazvose . Mwari vakapa Jesu zita riri pamusoro zvakare kumirira mazita ose . ( shoko rinoti 1 uper , rinoreva pamusoro , kana kuti nekuda kwechimwe , zita raJesu rinotsinhira chinangwa chake sechakazadziswa ! Ndiye muponesi wenyika ! Tito 2:11 Nyasha dzaMwari dzinopenya sechiyedza chezuva dzoita kuti ruponeso rwavanhu rwuwonekwe . [ nokuti hunyoro hwaMwari hwaputikira pamusoro pedu , huchipa hupenyu hutsva kuvanhu – Clarence Jordan ] tarisa Vaefeso 3:15 , mhuri yese iri kudenga pamwe nepanyika ine mavambo maari ; ndiye zita ravanhu zvakare anoramba ari chokwadi chemarudzi ose .)

2:10 Zvinoratidzwa nezita rake zvinokurudzira chisikwa chese nezvedzikinuro ! Mabvi ose kudenga nepanyika zvakare pasi penyika achagwadama pakunamata !

2:11 Zvakare muromo wese uchataura pamwe nekunzwisisa kuzvipira kumwe chete kune Hushe hwake usina mubvunzo semudzikinuri wehupenyu ! Jesu Kristu vakakudza Mwari saBaba vezvisikwa ! Ndiyo mhedzisiro 1 yekuita kwaBaba ( shoko rinoti 1 doxa kuita maonero , rinowanzoturukirwa sekuti kubwinya . Zvakazarurwa 5:13 zvakare ndakanzwa chisikwa chese kudenga pamwe nepanyika zvakare nepasi penyika pamwe nemugungwa , zvakare zvakadaro , zvichinzi , “ kune akagara pachigaro chehushe zvakare kugwayana ave maropafadzo pamwe nerukudzo zvakare masimba nekusingaperi ! ” )

2:12 Tichiwona mufaro watinawo nezvinowonekwa nekutenda kwedu pamwe nekupembera ndinokukurudzirayi hama dzadiwa kuti mudarike nekuva 1 nenzeve dzenyu dzakabatwa kune zvinowunza kurudziro kune ratidzo yeruponeso rwenyu nenzira inobatika . Tarira ruponeso nekufadza pamwe nemhedzisiro panyika . Ndinoziva kuti kuvepo kwangu kunokukurudzirayi zvikuru asi zvino ndinoda kuti muwane kurudziro ndisipo inodarika zvese zvamaiziva mumashure . Izvi zvinoreva kuti kana mukasazondiwona zvakare kana kugamuchira imwe tsamba kubva kwandiri ; hapazova nemutsawuko pakutenda kwenyu ! ( kubudirira kwehushumiri hwaPauro kwaisava kwekuti vanhu vave nhapwa kuvhangeri rake ! Waiziva kuti ayizova mushoko rake kudarika aripo panyama ! Hushimiri hawuyerwe nevanhu vaunotungamira , asi kuti unoshumira zvakadini usipo ! Shoko rinoti , kuteerera , ishoko rinonzi 1 upoakoo kuve pasi pekurudziro inokonzerwa nezvaunonzwa . )

2:13 Tarira Mwari mauri sechitubu chisina magumo ; vanokumutsa nechishuwo pamwe nesimba rinowirirana nemufaro wako !

2:14 Hupenyu hwako hwese idetembo ; mashoko ekudzikisira ese kana nharo dzese dzinoshaikwa panzvimbo ! Usatendere nyaya dzakadaro kuti dzikanganise mutinhimira wehurukuro yako .

2:15 Rusununguko rwako rwusina mhosvo ichadzera chechiyedza pakati pevanhu vakanganwa humwana hwavo hwechokwadi zvakare vane hupenyu hwakatsveyama ( muvhesi ino Pauro anotaura kubva pana Dhuteronomi 32:5 muna Vahebheru kubva pana 32:4,5 pamwe na18 . Mukureva mabasa aMwari akakwana saBaba vevanhu akanganwikwa ; vanhu “ vava vakamonyoroka nehutsotsi ” vakanganisa patani yehumwana hwavo . 32:18 inoti makanganwa ibwe rakakubereka zvakare mukabva 1 pakutamba kwamaita naMwari wenyu muHebheru , 1 khul or kheel . )

2:16 Hupenyu hwenyu 1 hunoratidza nekuwungira 2 shoko rehupenyu . Wakamiswa senyeredzi mudenga murima , muchiratidza chiyedza , kupenya kwawo kunocheka pakati perima . Zvoreva kuti 3 munozivisa zuva rashe pamwe 3 nekuzadzisa mufaro wangu ! Muri ratidzo yeruremekedzo rwangu zvakare chapupu chekuti handina kumhanya mujawo wangu pasina . ( shoko rinoti 1 epecho rinobva pana epi , kutsimbidzira , pamwe naecho , kubata kuwungira nzwisiso . Shoko rehupenyu , 2 logos inova nepfungwa , mafungiro , shoko . Shoko rinoti 3 eis , rinoratidza panosvikwa pekuguma . Tarisa Vakorose 1:29 kuzara kwako muna Kristu hazvisi zvoga , asi kwaunobva ! Kushanda kwangu zvino kunodarika chishuwo chese chandaiva nacho pandaisundwa nemurawo wekuda kuita ndega . Ndinoshanda kudarika nzvimbo yekuneta ndichishingaira nesimba rangu rese iro ravanondikurudzira naro mandiri .)

2:17 Ndinoda kuti muwone hushumiri hwangu kwamuri sewaini yakadirwa pamusoro pearitari yekutenda kwenyu . Ndinofara nepfungwa yekuti tinonwa kubva pachitubu chimwe chete zvakare tinopembera nemufaro mumwe chete !

2:18 Zvingakutambudzayi zvinogumira mukufara ! ( tinoziva kuti kunyangwe kurarama kana kufa , shoko redu harina chinomisa zvakare riri kutora nyika . )

2:19 Ndinovimba naIshe kuti ndichakutumirayi Timotio ; izvi zvinova kwandiri sekunge ndiripo nemi

2:20 Handina mumwe wekugoverana naye moyo wangu zvizere ; ndinoziva kuti vachakuchengetai zvukuru .

2:21 Chinosuwisa pane vakawanda muhushumiri vasiri pachena .

2:22 Handina chinhu chandingakuudzayi pamusoro paTimotio nekuti munomuziva hukoshi hwake ! Tashanda tese muvhangeri tiri pedyo panokwanisika ; takaita saBaba nemwanakomana mukubatana pamwe .

2:23 Ndinoda kumutumira kwamuri nekuchimbidza , asi ndakangomirira kuwona kuti zvinofamba zvakadini kwandiri .

2:24 Ndinoda kuti ndibatane naye munguva pfupi inotevera ! Ndinovimba naIshe kuti zvichamira zvakanaka pamutongo wangu .

2:25 Ndinonzwa kuti ndichimbidike kutumira Epafradasi kwamuri ; ihama yangu , mumwe pakushanda pamwe nemupupuri . Makanga makamutumira kuti andibatsire asi zvino ndave kudzorera tsvete !

2:26 Anoshuvira kuti awuye zvakare ane chishuwo kwamuri . Akanzwa kusuwa paakanzwa nezverudo rwenyu panguva yekurwara kwake

2:27 Akapotsa afa asi tinotenda Mwari nenyasha dzavo kwete kuna Epafradasi chete asi nekwatiri ! Handigone kufunga kurwadziwa kwataizonzwa dai takanga takarasikirwa naye !

2:28 Ndiri kumuunza kwamuri pasina kunonoka ; ndichiziva mufaro waanova kwamuri anova rudakaro kwandiri !

2:29 Hudzamu hwehukoshi wehupenyu hwake hunopemberwa zvikuru panowuya ! Aaah mufaro wekuda vamwe munashe !

2:30 Ndinokudza kuzvipira kwake kubasa raKristu ; akanga asina dambudziko rekuisa hupenyu hwake munjodzi kuti andibatsire pachikamu chake !

3:1 Mhedzisiro yekutenda kwenyu mufaro wakanyanya kunashe . Ndiye kunobva mufaro wenyu ! Handisi kutaura izvi kuti ndingova dzokororo ; mufaro isimba renyu ! Hapana pakachengetedzeka pamungava asi kuti mungofara chete !

3:2 Mabiko ekudzingiswa imhandu pakutenda kwako . Anoshanda nepfungwa dzakaipa ! Iva wakazvingwarira sekudzivirira kwaungaita pakuvhima ! vakabuditsa mapanga kwauri !

3:3 Tinopa “ kudzingiswa ” chirevo chomweya chazvokwadi ! Kunamata kwedu hakutsanangudzwe nezvinhu zvekunze izvo zvinoratidza murawo wemabasa pamwe nemipiro yechitendero ! Tinonamata Mwari pachokwadi cherusununguko chedzikinuro pamwe nekufara mubasa raJesu Kristu rakapera . Kutenda kwekururama kunopa chinobatika pakunamata kwedu kwemweya ; nyama inobata pfungwa dzechitendero nekuita kwacho kuti pave nekururama . Ndinogutsikana kuti kudzingiswa kana basa ripi remurawo ringawedzera chipi pane kururama kwakaunzwa naJesu pachikamu chedu .

3:4 Ndine chikonzero kudarika vose kuti ndimire pamakore angu ekudzidza zvakare kureva kukuru kumabira evaJudha . Kana kuwana kodzero kubva kuna Mwari kuine chekuita nekushingaira pamwe nekuita kwako ndaikunda shasha dzacho ! Kwandinobva kune basa :

3:5 Ndakawana mukana mukuru pandaiva nemakore masere maringe nezvakarehwa nemurawo . Ndiri muIsirayeri pakuzvarwa ; mukuru werudzi rwangu ndiBenjamini . Ndiri muHebheru wava Hebheru ! Mukutevedzera kwangu murawo ndaiva weboka rinocherechedza ; ndaiva nerudado rwekuva muFarisi . ( Rachero ayiva mudiwa waJakobho ; akafa achisununguka Benjamini ; zvakare marudzi maviri asina kupandukira ayiva Benjamini naJudha . Nokutaura kuti muHebheru wava Hebheru Pauro anotsimbidzira kuti rudzi rwake kubva kuvabereki vake vese rakanga risina kusangana navahedheni . )

3:6 Kudarikira kwezvandaiva kwairatidzwa nenzira inotyisa yandaipikisana pamwe nekurwadzisa wese anga ari pamwe naKristu . ( Inodanwa kuti ekklesia ). Zvino kana kuchengeta murawo nezvese izvi zvaikwanisa kundipa kumira pamberi paMwari ndisina mhosvo , ndakazvigona !

3:7 Kubatanidzwa kwenhorowondo yangu yechitendero pamwe nekuzvipira kwekurevesa kunova pasina ! Zvatakapihwa muna Kristu zvakaderedza izvo zvaiita sezvine hukoshi kuzviita zivi isina zvirevo . Kukudza murawo kurasikirwa kwako ! Kutenda ndiko kuwana kwako .

3:8 Pachokwadi , ndakasvika pamhedzisiro yekuti kubatana kwangu nezvandaitsanangudza kare semuJudha akazvipira , zvinodarikwa zvakanyanya nezvandakawana nekuziva Mesiya . Jesu Kristu nekuita kwavo kwehumambo kwedzikinuro ndiko kunonditsanangudza zvino . Chitendero chakaita setsvina yembwa ; chinonhuwa , dzivirira kutsika mairi !

3:9 Zvino ndiri pano ; ndakawanikwa muna Kristu ! Ndaitarisa panzvimbo isiriyo nguva dzose ! Basa rangu pamwe nekupomerwa kunosundwa nechitendero kwaiva mhingaidzo kwandiri pakuzviruramisa , kuchibatsirwa nemurawo wemabasa ! Kutenda kwaKristu kunoratidza zvandiri ; kururama kunotsanangudza kuti Mwari vanotenda kuti ndini ani . Kururama uku kunobva kuna Mwari zvakare kunotsinhira chikuriri chekutenda . ( Kutenda ingano kana Jesu asiri chinobatika pazviri ! )

3:10 Ah kunzwisisa simba rekumuka rutsva kwake kumuka kuvakafa kwake huchapupu hwekururama kwedu ! Muzaruro yemamiriro ekuva vamwe naMwari kwedu , Ndakatambudzika naye zvakare ndakafa pamwe chete naKristu ! ( Nokuti ndakanga ndakamiririrwa zvizere mukutambudzika kwake , murufu rwake pamwe nekumuka kuvakafa kwake . Ndinokurudzirwa zvikuru pandinosangana nezvinopikisa iko zvino ! )

3:11 Kana ndasangana nerufu , ndinenge ndasangana 1 pachiso nekumuka kwangu ! ( shoko rinoti 1 kantatao , kubva pana kata + anti , kuuya panzvimbo yekupikisa , mativi anopesana pachiso , 1 Vakorinde 15:18 . Hapana kumuka kuvakafa kusina tariro pamberi peguva ; hapana musiyano kana wakatenda kuti wakava pamwe parufu rwaKristu kana kuti kwete . 1 Vakorinde 5:19 kana tariro yedu muna Kristu yakatarirwa kuti tibatsirikane muhupenyu huno zvino funga hudzamu wekusiwa kwazvo pazvinopera panguva yatinofa . 1 Vakorinde 15:20 zvakadaro panguva ino Kristu akamuka anoratidza vose avo vaakafira ; kufanana nechibereko chekutanga chinoratidza goho rakakwana . 1 Vakorinde 15:21 vanhu vamwe chete vakafa mumunhu vakamutswa zvakare mumunhu . 1 Vakorinde 15:22 . Muna Adhamu vese vakafa ; muna Kristu vese vakaitwa vapenyu . )

3:12 Panokwanisa kunge paine zvisingawoneki mushe 1 pakunzwisisa kwangu kumuka kuvakafa ; asi ndinotevera kukwana kwemhedzisiro yekuziva pamwe zvakare 2 kubata zvakakwana izvo Jesu Kristu vaiziva nguva yose pamusoro pangu apo vakafa rufu rwangu ; uye kundiwona mukutenda kwake apo ndiri pamwe nekundimutsa kubva pakubatwa nerufu . ( shoko rinoti 1 lambano , rinoreva kunzwisisa , kubata , kuziva pamwe . 1 Vakorinde 13:12 kuzviva semaziviro andagara ndichiitwa ! Shoko rinoti 2 katalambano kubva pana kata pana inosimbisa shoko rokuti lambano , kureva kubata zvese ; kuita zvemumwe zvive zvako . KJV inoti “ kuti ndibate icho chakandibata chaKristu Jesu .” )

3:13 Handisi kuzvitutumadza nekururama kutsva sekunge ndauya nepfungwa yangu ; zvakadaro ndakazvitsaura kubva pakuita kwangu ndega kwemabasa emurawo pamwe nekuda kwangu kwairatidzwa mumashure ; zvino ndabatikana zvizere nezvairatidzwa nechiprofita . Kristu ndiye zvataitsvaga nguva yose ! Pano ari pamberi pehuso 1 hwedu ; pedyo nesu ! ( shoko rinoti , 1 emprosthem , kubva pana en , mukati pamwe na pros , icho chakanaka pamberi pangu ! )

3:14 Ndine mubairo werusununguko wekudzikinurwa kwevanhu pachena ; semhare inokwikwidza pachena ndinoramba kudziviswa nechinhu chipi zvacho . Mwari 1 vakatikoka muna Kristu kuti tisimudze meso edu tiwone zvatiri maari . ( shoko rinoti 1 klesis , kukokwa kubva pana kaleo , kupa zita repiri , kuziva nezita apo murawo unobata munhu nechepasi , kutenda kunobata kuyemura kwedu kuti tiwone zviri pamusoro apo takagara pamwe naKristu muchadenga ! Tinozivikanwa maari Vakorose 3:1 )

3:15 Isu takawana kururama kwedu kwakakwana tine pfungwa dzedu dzakabatikana muna Kristu . Kana uchiti kuzviwona seusina kukwana , Mwari vachakuratidza kuti uri kutambisa nguva kufunga kuti ungagamuchirwa pamwe nekururama kudarika zvauri iko zvino !

3:16 Saka zvakadaro , rega shoko renyasha ritungamire . ( murawo idziviso isina kunoyendwa )

3:17 Wakasunguka kutevedzera ini apo tiri pamwe chete tinobata hupenyu hwevakawanda kuti vatevere tsoka dzedu .

3:18 Sezvamunoziva kuti ndinobatikana nemisodzi pandinotaura zvinhu izvi ; ndine chishuwo pamusoro perusununguko rwedzikinuro yavanhu kuti hazvina chirevo kuti pane vamwe vanopikisa shoko rino . Vamwe vanozvidza pachena pamwe nekupikisa basa repamuchinjikwa waKristu .

3:19 Havawone here kuti maitiro ekuita wega anotungamira pakuzviparadza ? Kuzvipira kwavo kwese kuna Mwari wenyota yechitendero chavo , kunotsinhira zvinyadzi ; asi vanoita sevasina dambudziko nazvo nekuti pfungwa dzavo dzakabatwa 1 nendangariro yechivi . ( “ 1 zvinhu zvepanyika ” munyaya ino inotaura nezve pfungwa dzakawa dzinotongwa nendangariro yechivi . Tarisa Vakorose 3:1-3 Vahebheru 10:1 , 19-22 )

3:20 1 Hugaro hwedu hunobva pakubatana kwedu naKristu muchadenga ! Denga harisi chibodzwa chedu asi kuti 2 ndiko kwatinotangira ! Kunzwisisa kwedu 3 kunobva muna muponesi ; 4 tinogamuchira zvizere Ishe Jesu Kristu . ( shoko rinoti 1 politeuma , pfuma imwe chete ; zvatiri zvedu shoko rinoti 2 uparcho , rinoreva kuti mavambo , pekutangira . Shoko rinonzi chitubu , 3 ek . kumbundira zvizere , 4 apodechomai , kubva pana apo , kubva pane chinhu , [ icho chakanditsanangudza mumashure ] pamwe na dechomai kutora uchiisa mune mawoko emumwe kuti agamuchire nemoyo wese , kumbundira zvizere )

3:21 Ruponeso rwunovambwa naJesu , rwunochenesa miviri yedu yevhu pamwe nekusimudzira kuti tive vamwe mupatani yekubwinya kwedenga ! Kupikiswa kwakadzama kwatingasangane nako munyama , kunodarika kubwinya kunoratidzwa mumuviri wake wakamutswa kubva kuvakafa ; maringe nesimba raMwari ravanoratidza semuchioni mupatani yemufananidzo wavo matiri . Vanowunza zvinhu zvose kwavari . ( chishuwo chaPauro chekuziva simba rekumuka kuvakafa 3:10 kunofambirana nemunamato wake muna Vaefeso 1:19 ndinonamata kuti muzive zvinodarika yenzaniso yose kushanda kwesimba rake 1 matiri tinotenda . Kutenda kunoratidza kuti takagonerwa zvakadii muna Kristu . [ shoko rokuti 1 eis , rinoratidza nzvimbo inosvikwa pakuguma . ] Vaefeso 1:20 ndiro simba rimwe chete Mwari vakaregedzera muna Kristu pavakamumutsa kubva kuvakafa pamwe nekuvamisa musimba rwerudyi rwavo mudanho remuchadenga ! Kudarika masimba ose ehutongi , chikuriri masimba kana hurumende ; vanomira vari mukuru kuzita rose ringavepo narinhi 1:22 ndinoda kuti muwone izvi : vakaisa masimba ose pasi petsoka dzavo vanomira pamusoro pazvose . Ndivo musoro 1:23 kereke ndiyo muviri wake . Kuzara kwezvavari kunozadza zvose kuri matiri ! Mwari havagone kuzviratidza kana kuwonekwa zvakajeka [ shoko rinoti 1 ekklesia rinobva pana ek , kuratidza mavambo , pamwe naklessia , kuziva nezita , kupa zita repiri , kureva “ kereke ”
mufananidzo pamwe nemucherechedzo mumunhu .]

Tarisa zvakare 2:6 kuve kwake wakayenzana naMwari mukufanana kwaizivikanwa ; kuve mwanakomana kwake hakuna kubvisa chiyedza kuna Baba vake ! Kana kuti kuve munhu kwake kudzivise kubva pahuMwari hwake ! 2:7 chinangwa chake zvakadaro , kwaisava kuti aratidze huMwari asi kumbundira vanhu . Vakazviisa munyama , vakaberekwa semunhu vakazviratidza semuranda wevanhu . Rudo rwavo rwakamuita muranda wedu ! 2:8 zvinotine nyaya yemuchinjikwa pachena : murume uyu Jesu ndiye Mwari zvizere , akava munhu zvizere kusvikira pakufa rufu rwavanhu mumawoko ezvisikwa zvake . Wakambundira chituko pamwe nezvinyadzi zvepasi zvekufa rufu rwetsotsi . 2:9 kubva panzvimbo yekuzvidzwa , Mwari vakamuisa panzvimbo yepamusoro Mwari vakapa Jesu zita rinodarika zvose pamwe nekumirira mazita ose ; [ shoko rinoti 1 uper rinoreva , pamusoro kana kuti nokuda kwechinhu . Zita raJesu rinotsinhira chinangwa chake kuti chakapera ! Ndiye muponesi wenyika tarisa Vaefeso 3:15 mhuri yese iri kudenga pamwe napanyika ine mavambo maari ; ndiye zita revanhu zvakare anoramba ari chokwadi kumarudzi ose .] 2:10 zvinoratidzwa nezita rake zvinokurudzira zvisikwa zvose nezvedzikinuro yazvo ! Mabvi ose kudenga pananyika anogwadama pakunamata ! Vaefeso 4:8 magwaro anozivisa kuti akatitungamira nemukombe wekukunda kwake pamusoro ; vakatora chipo chavo ( mufananidzo ) mune munhu . ( tarisa 2:6 , takasimudzirwa zvakare mukuyenda kwavo kudenga kuti tive pamwe muchadenga umo takagara pamwe chete naye muchikuriri chake . Kubva pana Vahebhuru , Mapisarema 68:18 1 lakatcha mattanoth baadam , makatora zvipo kubva muvanhu muna Adhamu . [ zvipo zvinogeverwa naKristu kuvanhu vakamugamuchira muvanhu , paakava munyama . Kubva kuna Adam Clarke .] takaberekwa patsva paakamuka kubva kuvakafa . 1 Petro 1:3 , Hosiya 6:2 ))



4:1 Zvino muchiyedza chazvose izvi , ndine chokwadi chekuti munokwanisa kutenda kukura kwemufaro wamuri kwandiri ! Hama dzangu dzinokosha pamwe nevadikanwa , muri mukombe pamwe nemufaro wangu ! Sezvamakanga muchiita , darikayi nekumira zvakasimba Munashe !

4:2 1 Chitubu chenyu chinokutsanangudzayi nezita ! Vanodiwa Youdia pamwe naSintike , regai ndikurangaridzeyi zvinoreva mazita enyu ! Dzikamisayi pfungwa dzenyu kuti mutevere pamwe nenzira yakareruka yenyasha ; zvoreva kuti pamwe chete munozadzisa chinangwa chenyu munashe pasina zvimhingaidzo . ( shoko rinoti 1 parakaleo , rinobva pana para , kuratidza kuva pedyo , chinhu chinobva panzvimbo yekukonzeresa nefundidziro yekuva pamwe panzvimbo yekugara , kutubuka kubva pamuvambi pamwe nemupi kubva pamavambo , kuratidza nzvimbo inotangira chiitiko , kubatana kwepedyo ; zvakare kaleo , kureva kuziva nezita kupa zita repiri . Shoko rinoti 2 eudias kubva pana eu , zvakanaka pamwe na odos , nzira , zvichireva rwendo rwune budiriro , kurungamira negwara zvakare nenzira yakanaka ; 3 suntuche , kubva pana sun , pamwe chete , zvakare tugchano , kunanga chaipo ; seuwo anoregedzera museve .)

4:3 Suzegasi , uri chirevo chezita rako kwandiri , mumwe wangu pajoko akavimbika ! Zvibatanidze pedyo nevakadzi ava nekuti vakabatirana neni pavhangeri ! Zvakare Kremensi nevamwe vangu ndine mazita avo mubhuku rangu rehupenyu ! ( Pauro ane mazita eshamwari dzake dzose ! [ tarisa Varoma 16:1-23 ] hupenyu sekutsanangudzwa muna Kristu hwapa chirevo chakapfuma kumazita , Suzegasi , kureva mumwe pajoko . Mufiripi , vakadzi ndivo vakava vekutanga kunzwa vhangeri , zvakare Ridiya akava ndiye wekutanga kutendeuka . Mabasa 16:13-15 Clement , denga rakajeka , kunze kwakajeka nekupenya . Pauro uyo ane zita rekuti Sheol , kureva nyika yepasi yemucharima , kuyenda kuna pao kureva zororo anotenda zvirevo chaizvo zvemazita . Anodana Petro , kefas rinova Aremeiki kuti petros , kubvisa kubva pana petros , zvoreva kutsinhira chirevo chezita rake . Hwaro hweibwe re ekklesia yaMwari . Muna Mateo 16 Jesu vanozivisa Simoni , mwanakomana waJona nezita idzva , Petros ; zvakare pamusoro pezaruro yekuti mwanakomana wemunhu ndiye mwanakomana waMwari ekklesia inovakwa ! )

4:4 Mufaro hakusi kuda kwako ; mufaro unoyenderera kubatana kwako naIshe ndicho chitubu chako zvachose chemufaro ; saka ndinozvitaura zvakare , fara munashe zvakadaro !

4:5 Ratidza 1 hunhu hwakanaka kuna vose ! Mwari havasi pedyo kune vamwe kudarika vamwe . ( Hunhu hwakanaka , 1 epieikes , kubva pana epi kuratidza kudarika kweku konzeresa pamusoro , zvakare eikos , kunzwisisa , kuremekedza . Ndiko kuratidza kwaPauro kune maGiriki anonamata zvifananidzo muna Mabasa 17:27,28 . tarisa zvakare Tito 3:3 . mufaro wedu unoita kuti vhangeri riwonekere ! Tsanangudzo yese yemukaha inobviswa ! )

4:6 Musatendera kuti kutambura kwenyu kukukanganiseyi ! Zvakadaro shandurai nguva yenyu mukunamata , zvakare mutotose zvikumbiro zvenyu nemufaro kuna Mwari ! ( shoko rinoti 1 merimano , kunetsekana , budikidze nepfungwa yekudziviswa kubva pana meritzo , kupatsanura . Zvamunoda hazvishamise Mwari ; anoziva pfungwa dzenyu kubva kare zvakare anoziva nzira dzako dzese ; asi anofara nehurukuro dzako pamwe nevimbo yako inenge yemwana ! Muimbi 2:14 . mateo 6:8 )

4:7 Zvakare munzvimbo ino yekunamata pamwe nemufaro muchapa huchapupu hwekuti rugare rwaMwari mauri rwunowungira zivo yako yehumwe chete muna Kristu Jesu kudarika pangasvikwa nepfungwa dzingakudenha ( uperecho ) sokunge muchengeti anochengeta guta , kutarira zvingakanganisa , zvaunonzwa pakadzama pemoyo wako pamwe nerugare rwepfungwa dzako zvakachengetwa ipapo . ( Rugare urwu harupimwe nezvinoitika kunze , rwunogara mukati mezvauri , hatisi kutaura pamusoro perugare rwunoputsika rwunokanganiswa nyore ; urwo rwatinogadzira tega ; rugare rwaMwari ; rugare rwekuti iye Mwari anofadzwa narwo ! )

4:8 Zvino izvi ngazvive mhedzisiro 1 yekunzwisisa kwako tarira pane icho 2 chazvokwadi pamusoro pavose sekuwonekwa muna Kristu . 3 rarama wakazadzwa nepfungwa dzaMwari pamusoro pako ! Zvizivise pazaruro 4 yekururama ; ziva kufanana kwedu naMwari . Zviite bhizimisi rako kuti ustinhire 5 kusununguka kwakadzikinurwa kwevanhu . Funga 6 hushamwari , wona kuti vanhu 7 vanozivikanwa muchiyedza chevhangeri ; vanhu vari pachiyedza chaMwari ! Funga 8 kusimudzirwa kwatakaitwa muna Kristu . Dzidza 9 nyaya dzinopembedza hupenyu . ( Tarisa Vakorose 3:3 “ Dzamisa pfungwa dzako nezvokwadi zvemuchadenga umo takagara pamwe naKristu ! ” shoko rinoti 1 logitzomai rinoratidza kunzwisisa nekutora zvose pakunzvera ; 2 alethes , rinoreva icho chakavanzika asi chava pachena ; muna Vaefeso 3:21 Pauro anotaura nezvechokwadi sezvachiri muna Kristu Jesu . Shoko rakazadzwa 3 semnos kubva pana sebomai kuremekedza , kuda . Shoko rekururama 4 dikaios , kubva pana dikay , mapato maviri anowana kufanana pasina kuzvidzana , kufungirana , kupomera , kudemba kana kuva netarisirwo yekuita chimwe chinhu . Vhangeri izaruro yekururama kwaMwari ; rinotsinhira kuti Mwari vakakwanisa kugadzirisana nevanhu . Ndere zvakanaka zvakaitwa naMwari zvakanaka kwete zvakatadzwa naAdhamu . Tarisa Varoma 1:17 . shoko rinoti 5 hagnos rinotaura rusununguko pasina kupomerwa . Shoko rinoti 6 prophileo , rinoreva zvaunotaura , hushamwari hwevaviri shoko rechingezi rekuzivikanwa rinobva mushoko reGiriki 7 euphemos , kubva pana eu , kuita zvakanaka , zvakanaka pamwe na phemos ; kureva kuva pachiyedza , kubva pana phao , kupenya ; Jesu vakati “ muri chiyedza chenyika . ” seguta riri pamusoro pegomo , chiedza chenyu hachivanzwe . Shoko rinoti 8 arete rinowanzoturikirwa sekuti chakanaka , kubva pana airo , kusimudza mudenga , kusimudzira ; 9 epainos , chinotarisirwa sechakanaka chakakodzera kurumbidzwa kubva pana epi , kuratidza kukonzera kunodarikira , pamwe na ainos , nyaya . )

4:9 Zvinhu izvizvinofambirana nezvose zvandinodzidzisa pamwe nekurarama ; munokwanisa kudzidzira zvamunonzwa pamwe nekuwona mandiri . Rugare rwunotevera kururama uku rwunodarika manzwira ; ndiMwari vachitsinhira kuva pamwe kwedu .

4:10 Ndinofara munashe kuti mushure menguva yese iyi maratidza kuzvipira kwakamutsurudzwa mukuva kwangu zvinovandudza kuziva tsigiro yenyu , kunyangwe zvazvo musina kukwanisa kuzviratidza .

4:11 Musakanganise kundinzwa , handisi kupemha ndakakwana “ kune mumwe ” zvakare ndakawana kuti 1 ndinokwanisa zvizere zvisineyi mamiriro . ( kukwanisa , 1 autarkes , kuzvikwanisira , manzwiro awunoita , kana uchigutsikana nezvauri .)

4:12 Handitsanangudzwe nekushaya kana kuti kuwana kune kupfachukira ! Zvinogona kuva panzvimbo yakasiyana kana zuva , asi chakavanzika chimwe chete ; kana ndakatarisana nekusvusvura kana kutsanya , chitubu kana nzara . tsoka dzangu dzive setsoka dzehadzi dzenondo , unondifambisa pamatunhu angu ( kupfachukira hachisi chiratidzo chehunaku hwaMwari ; kana kusavapo kwavo “ kururama nekutenda kwaMwari kunotsanangudza hupenyu . ” nhau yakanaka ichokwadi chekuti muchinjikwa waKristu wakava nekukunda . Mwari vakadzikinura hupenyu hwekuumbwa kwedu ; vakadzikinura rusununguko rwedu . Munhu haatongwe nekuti akarurama kana kuti kwete nekugona kwake kuchengetedza murawo ! Haisi nyaya yekuti munhu anofanira kuita kana kuti kwete asi zvakaitwa naJesu ! Kubva pakutenda kuyenda pane kumwe kutenda , zvakare kwete hunhu hwemunhu hwakaipa kana kunaka kana mamiriro anonzi ropafadzo kana kuti chituko [ Habhakuki 2:4 ] . Pane kuverenga chituko kana madzudzo awuya , anowona kuti vimbiso inodarika kuita sehwaro hwekuregererwa kwevanhu . Dhuteronomi 28 haizova kurudziro kana mupimo hwehunhu wakanaka kana kuipa ! “ Nokuti kunyangwe muwonde ukasatungira maruva , nemizambiringa ikashaiwa zvibereko , kunyangwe kubereka kwemuorivhi kukakona , neminda ikasabereka zvekudya ; kunyangwe makwayi akapera muchirugwi , nemombe dzikashaikwa mumatanga , kunyangwe zvakadaro ndichafara kwazvo muna Jehovha , ndichava nemufaro muna Mwari weruponeso rwangu , Jehovha Ishe simba rangu , unoitaakakwirira . [ Habhakuki 3 :17 -19 RSV ] . “ Tarira kubva [ pamurawo wemabasa ] uyende pana Jesu ; ndiye muvambi pamwe nemupedzisi wekutenda . Vahebhuru 12:1 tarisa Varoma 1:17 . )

4:13 Mumamiriro ese ndakasimba mune uyo anondipa simba kubva mukati kuva zvandiri ! ( Pauro akararama hupenyu hwake ari pedyo nenzvimbo iyi . Akawona kuti kuve zvaari kwake maringe nezvaiva Jesu kwaiwonekwa maari ! Ndiri zvandiri nekuda kwenyasha dzaMwari ! Kristu mandiri , anoratidza Kristu mauri ! Vafiripi 2:12 “ kwete mukuveko kwangu asi zvizhinji mukusavepo kwangu ! Vakorose 1:27 , matiri Mwari vanoshuvira kuratidza hukoshi hwerugaro rwaKristu matiri ; marudzi ose achamuziva semuchioni – oni ! Kuratidzwa kwaKristu muhupenyu hwemunhu kunozadzisa tariro yese yevanhu . Havana kuvanda munhorowondo , kana kuti kumwedzi , kana kune remangwana , kana kuti mumapeji emagwaro , aripo kuti aratidzwe mauri . [ Mateo 13:44 , Vagaratia 1:15,16 ] . )

4:14 Zvino handisi kutaura kuti ndaisada batsiro yenyu kana kutenda batsiro yenyu ! Kubatirana pamwe kwenyu munguva yekuwomerwa kwangu kwakava senhetembo yakanaka kwandiri .

4:15 Imi pamwe neni tinoziva zvakanyanya kuti kusangana kwekutanga kwenyu nevhangeri kwakava kurudziro kwamuri kuti mubatane neni pamutinhimira wakanaka wekupa pamwe nekugamuchira . Kupa kwenyu kwakaita kuti rwendo rwangu rweMacedoniya rwuvepo ! Hapana imwe kereke yakaita zvamakaita . ( Pauro wakashanyira Tesaronika pamwe neBeriya makore gumi nemaviri tsamba ino isati yanyorwa . Mabasa 17:1-14 . )

4:16 Makandibatsira zvakare muTesaronika .

4:17 Handisi kukurangaridzayi pamusoro pezvipo zvenyu nekuda kwechimwe chikonzero asi kukurudzira kwekuti muzive kupfachukira kwegoho mushoko ramunova tsamba mariri . ( Giriki , chibereko “ cheshoko renyu . ” )

4:18 Tsamba ino ndiyo 1 mbvumo yangu kwamuri , kuzivisa kuti ndakazara kusvika pamusoro ! Ndiri kupfachukira nepamusoro ndichipinda muzvipo zvenyu zvakawunzwa naEpafradito kupa kwenyu kunopembedza mufaro waMwari semafuta anonhuwira adirwa paaritari yerudo rwenyu kwandiri . ( Shoko rinoti , 1 apecho pano rinoshandiswa sezvemutengo kureva kugamuchira huwandu mukuraza pamwe nekupa tsamba yembvumo . Kubva pana apo pamwe na echo kubata ; munyaya ino apo nekupomerwa kune zvinobatwa pazvinhu zvinoshuwirwa . J . B . Lightfoot )

4:19 Mwari wangu vachazadzisa kushaiwa kwenyu nekupfachukira panzvimbo dzose dzehupenyu hwenyu . Pfuma yechiroto chake yakava chokwadi muna Kristu Jesu inopima kupa kwake kwamuri !

4:20 Kwenguva pamusoro penguva Mwari vachapemberwa saBaba vedu . Tiri kubwinya kwake ! Zvechokwadi !

4:21 Mbundirayi mutsvene wese muna Kristu Jesu pachikamu chedu ; hama dzandinadzo dzinokukwazisayi !

4:22 Vatsvene vose , kunyanya vemumba maKesari vanokukwazisayi !

4:23 Nyasha idzo dzinova naJesu Kristu dzinokukwazisayi mumweya yenyu .

No comments:

Post a Comment